📖 Chikuvamagwaro

Dudziro (Definition)

Shoko rokuti chikuvamagwaro kana kuti chikuvamabhuku riri kushandiswa pano kuturikira imba inowunganidzwa mhando dzakasiyana dzemagwaro, vanhu vachizopota vachikwereta vachizodzosa. Mhando dzemagwaro dzinochengetwa muchikuvamagwaro dzinosanganisira: mabhuku; mapepanhau; magazini; mimhanzi nezvimwewo. Zvikuvamagwaro zvinowanikwa munzvimbo dzinoti: zvikoro; mahofisi; dzimba; uye mumaruwa. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuturikira shoko rokuti library tichiti bangiramagwaro, apa kureva nzvimbo inochengetwa magwaro