📖 Chikuvamagwaro
noun Zita FormalDudziro (Definition)
Imba inowunganidzwa mhando dzakasiyana dzemagwaro, vanhu vachizopota vachikwereta vachizodzosa.
English: Library
Related Words
Rumwe Ruzivo (Additional Information)
- Word:
- Chikuvamagwaro
- Definition:
- Shoko rokuti chikuvamagwaro kana kuti chikuvamabhuku riri kushandiswa pano kuturikira imba inowunganidzwa mhando dzakasiyana dzemagwaro, vanhu vachizopota vachikwereta vachizodzosa. Mhando dzemagwaro dzinochengetwa muchikuvamagwaro dzinosanganisira: mabhuku; mapepanhau; magazini; mimhanzi nezvimwewo. Zvikuvamagwaro zvinowanikwa munzvimbo dzinoti: zvikoro; mahofisi; dzimba; uye mumaruwa. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuturikira shoko rokuti library tichiti bangiramagwaro, apa kureva nzvimbo inochengetwa magwaro
- Bulk uploaded:
- 1