🗓️ Kubvumbi
Description
Mwedzi wainaya mvura yemubvumbi zuva rose kana kuita mazuva maviri ichinaya ichingomira zvenguva duku duku. Mwedzi iwoyu wakazonemerwa rimwe zita rekuti Ndadanirwei. Zita iri rakauya nekuti vana vaisada kubviswa kumitambo yavo yavaitamba vakazvigutira saka vairwadziwa kana achinge amiswa kutamba adaidzwa kumba opopota achiti “ko zvino ndadanirweiko”. Iwoyo mwedzi waKubvumbi wakanemerwa zvakare rekuti Kunavashe. Zvinonzi madzishe aiswera achidziya moto mudzimba zvokuti vana vaiti vakada kupinda mumba vaibva vadzingwa vachinzi tambirai kure mumba muna vashe.