💒 Kuchaya Mapoto
Wanano (Marriage/Courtship)
Domain
💒 Marriage
Category
Nzira
Status
Active
Description
Vanhu vaviri munhurume nemunhukadzi vasina kuroorana pamberi patezvara vachigara pamwechete sokunge murume nemukadzi vakaroorana. Varipo varumwe vanosvika pakutobereka mhuri dzichikura pasina roora rakaripwa kuna tezvara; zviri zvinhu zvinoshoresa zvikuru patsika dzevaShona. Kugara nekugara varume vazhinji vanotya kuchengetana nemukadzi wavasina kuroora pamberi patezvara. Izvi vanotya kuzviita nokuti musi wokunzi mukadzi uyu afa kana kuti asangana netsaona ari mukadzi anga achichaya mapoto murandu wacho unoripwa ipapo wakaoma. Kune nhau dzinotaurwa zhinji dzokuti tezvara vanoramba kuviga mwanasikana anga achibika mapoto kusvikira roora kana imwe mirandu yaripwa.