💒 Chimhurira

Wanano (Marriage/Courtship)
Domain 💒 Marriage
Category Nzira
Status Active
Description

Musikana anogona kuedza kutora moyo wemukomana asi mukomana achiramba. Akaona kuti zvekukwezva moyo zvaramba, anomboedza vamiririri. Kana zvose zvaramba, anongotuta twake onanga kumba kwemukomana kunoti watove murume wangu, ndavinga iwewe. Kuedza kumudzinga anoramba ari chikwekwe kusvikira matowirirana.