🗓️ Chivabvu
Description
Ndiwo mwedzi unopedzisira mumwaka weMatsutso uye ndipo panotanga mwaka weChando. Rimwe zita raChivabvu ndiBandwe iro rakatumidzwa nekuti ndiyo nguva inodimuka maruva emhandwe. Rimwe zita raChivabvu ndiRusunganhengo nekuti ndiyo nguva inosunga nhengo nehura hwezviyo muminda. Mwedzi uyu unozivikanwa nematakwada emapfunde nezviyo muminda.