Mombe dzemashanga
💡 Madimikira (Idiom)Mombe dzemashanga
🔀 Chirevo (Alternative Forms)
Zvinoreva munhu arasikirwa nezano, haachazivi pokubata kana kwekuenda. Ichi chirevo chinofananidza hunhu hwevanhu nehunhu hwemombe dzisina mufudzi. Kana vari vana vaita mombe dzemashanga vanenge voswerombeya nemusha, pasina chikoro chinodzidzwa kana basa svinu rinobatwa - havana avanoteera kana chinangwa chakati tsvikiti muhupenyu.