💒 Roora

Wanano (Marriage/Courtship)
Domain 💒 Marriage
Category Nzira
Status Active
Description

Mukomana anenge aenda zviri pamurau kunana tezvara vake kunotora Mudzimai wake. Roora muripo unobviswa nomunhurume kana achinge ave kuda kugara nomunhukadzi. Roora rine zvikamu zvakawanda zvinosanganisira Makandinzwanani, Matekenyandebvu, Kunonga, Kupinda mumusha uye Rusambo. Pane zvimwe zvakawanda zvinobviswa zvichienda nekuti vanhu ndeverudzi rwupi. Roora ndiyo nzira yaVaShona yekubatanidza mhuri mbiri zviri pamutemo kupfurikidza newanano. Roora inzira yevakuwasha yokutenda nayo madzitezvara avo nekuvaberekera mudzimai. Madzitezvara anosanotumira vakuwasha rugwaro rwunotaridza mhando yezvitakurwa izvi. Muenzaniso wezvitakurwa unosanganisira chingwa, munyu, tsvigiri, sipo, masamba, nyama, zvinwiwa, mukaka nezvimwewo. Mhuri mbiri idzi dzinoungana pamabiko, uri mutambo wekuroodza mwanasikana.