💒 Kuganha

Wanano (Marriage/Courtship)
Domain 💒 Marriage
Category Nzira
Status Active
Description

Musikana agarisa paumhandara nokushaya anoroora anenge awana munhu waanoda. Vanenge vasingadanani. Anotora nhumbi dzake kuenda kunogara naye. Musikana anogona kuedza kutora moyo wemukomana asi mukomana achiramba. Akaona kuti zvekukwezva moyo zvaramba, anomboedza vamiririri. Kana zvose zvaramba, anongotuta twake onanga kumba kwemukomana. Anosvika kunze kwemusha omirira kuti vanhu vamuone. Kuedza kumudzinga anoramba ari chikwekwe kusvikira matowirirana. Anoti watove murume wangu, ndavinga iwewe. Mhuri yemurume inozogara pasi. Kana adiwa voita hurongwa hwekuroora.