🦁 Gudo

Baboon
Also known as: Dede Mutiro Bveni Mushambanegore Musambanegore
Description

Mhuka yemusango yakafanana netsoko asi yakakura, ine muromo wakareba uye mazino akasimba, inowanzogara mumapoka.

Painogara (Habitat)

Chiro, Chirau

Machemero (Sounds)

Homura

Horomba Hombiro Mbombo

Mboyi Mhandakadzi Mboi Chikoyo Nzenza Svambara Sheriwa Gonyo

Rushiye Ruchiya Chimombana Chiya Jehwa Ushiye Rutwiyo Chisamakeyi Mujembwa

Mujembwa: Mwana wegudo anenge arumurwa.
Chisamakei: Mwana wegudo ane gore rimwe chete.

Sheriwa: Gudo gadzi riya risingagoni kugadzikana munyaya dzerudo.
Werera: Gudo guru rinofamba roga.
Svambara: Gudo gadzi rinoita zvehunzenza
Mombo: Gudo gono guru.
Nharire: Gudo rinorinda mamwe richitarira vavengi.
Nhore: Gudo gono rachembera.
Kutimamutindi: Gudo gadzi.
Jerandoga: Mukono wegudo unogara woga
Horomba: Bveni gono rinenge riri mukuru weboka.
Hohonwa: Gudo gono rachembera.
Gonyo: Gudo gadzi rinoita zvehunzenza.
Berera: Gudo guru regono rinochengetedza mamwe ari muchikwata charo
Chenda: Gudo guru rinofamba roga
Hombiro: Gudo gono rinotungamirira boka.
Chikoyo: Gudo gadzi rachembera
Ritwiyo: Gudo gadzi rinoita zvehunzenza.
Mhandakadzi: Gudo gadzi rachembera.
Hweshero: Kumagaro kwegudo kwakawomarara
Homu: Kuchema kwemakudo.
Chikuyukumagaro: Kumagaro kwegudo kwakawomarara.
Changazha: Kuomarara kwemagaro egudo.
Chiro: Nzvimbo inorara makudo manheru zvikuru sei mugomo.
Homu homu: Zita remadunhurirwa regudo
Mbombo: Gudo gono guru
Mboi: Gudo gadzi rinoita zvehunzenza.
Nharirire: Panomira gudo richitarisa vanhu mamwe achidya mumunda
Chirau: Nzvimbo inorara makudo
Home Dictionary Learn Profile