💒 Kuzvarira
Wanano (Marriage/Courtship)
Domain
💒 Marriage
Category
Nzira
Status
Active
Description
Kune nzira inoshandiswa nekuda kwekushaya twuso. Mumba munogona kupinda nzara mbishi zvekuti chekukanda mukanwa panenge pasina. Zvakadai dzimwe dzimba dzinenge dzine hudyi hwunofashafasha. Vaya vapindwa nenzara ndipo vanotora mwanasikana wavo vomuendesa kuya kune vanowana kuti awanikwe vagopihwa kudya. Havatarisiri kuwana mari asi kuti matura avo akukumukewo vagowana chokudya. Izvi hazvinei kuti mwanasikana anoda here kana kwete asi kuti chinotuma izvi inzara.