💒 Rusambo / Rugaba
Wanano (Marriage/Courtship)Description
Muripo wainzi makarekare mukomana abvise apo anenge aisa rusambo rwake pamusikana waanenge ave kuroora. Rusambo kana kuti sambo or Shambo runorukwa zvakanakisa nehuswa hunyoro rwoshandiswa seshongedzo yekuisa mumaoko kana makumbo. Mukomana aizorupa kumusikana kuratidza kuti ndewake saka pakuroora airipiswa mbudzi imwe chete kana mbiri dzekuisa rusambo rwake pamwana wevaridzi. Ndopakabva zita rekuti rusambo. Rusambo rwaive rwuri muchikamu chezvidoko zvekuroora sezvo mukomana haaibvumidzwa kutora mukadzi kana asina kubvisa rusambo uye haana waaibvunza kana aizowana mukadzi atorwa nemumwe kana asina kurubvisa, Naizvozvo rusambo rwaive rwuchifanirwa kuve nemuripo wakaderera zvikuru nekuti hazvaiita kuti munhu aroora ozokundikana kurwubhadhara. Rusambo rwaionekwa zvakare sechiratidzo chokuti vabereki vemusikana havadi kuti mwana wavo aroorwe nemunhu ari kumuda kana kuti vanhu vanokara zvikurusa vaingodeedzera kuti parusambo vari kuda mombe imwe kana mbiri. Kuita uku kunobva kwataridza kuti vari kuomesa nekuti havadi kana kuti vari kuda kutopfumira ipapo. Mazuva ano, rusambo urwu, munzvimbo zhinji rwavakubhadharwa iri mari chaiyo.