🗓️ Runyanhiriri
Description
Izita rinobva pakapuka kanonzi nhiriri kanodya huku. Nguva iyi kunze kwoyedza ndiyo nguva yakanowanzobata huku vanhu vachiri mudzimba, ndiko kusaka nguva iyi yainzi panonzi runyanhiriri. Nguva iyi ndipo panonzi panokukuridza machongwe kekupedzisira. Tabva murunyanhiriri tinobata rufuramhembwe.