🗓️ Kurume
Description
Mwedzi wechitatu wegore. Mumwedzi uyu varumewo vairuta samare. Mwedzi iwoyu unozivikanwa zvakare nezita rekuti Dzikitsiki. Zita iri rakadunhurirwa kubva mukuti, sezvo mwedzi uyu waizivikanwa nenzara vanhu vaiti zvavapambara vakawana vaida kudya vega.