Zenze:
Vhudzi remuhuro meshumba hono.
Vhunurwa:
Chikanda chichena chinosiiwa nenyoka.
Nyurusi:
Mwana we bhiza ne mbongoro
Musambara:
Hurefu huripo kubva pahuma kusvika pabesu panotangira muswe wemh
Mhandamatsipa:
Kusairana nemutsipa kwemombe dziri kutungana.
Musana:
Chinobuda kana Mhuka yapedza kuzvara.
Mberera:
Mhuka inodya yoga.
Kudzuna:
Kucheka machende emhuka hono kuti isakwanisa kubereka. Mombe nembwa dzinosunurwa kuti dzirege kubereka. Mombe kana ichinge yakusunurwa kana kuti kuchekwa inonzi dhonza, ngavi kana kuti jong'osi.
Jerandoga:
Handira kana dzimwewo mhuka dzinogara dzoga.
Kusunura:
Kucheka machende emhuka hono kuti isakwanisa kubereka. Mombe nembwa
Barambara:
Huma yemhuka ine nyanga.
Tsotse:
Mhuka hadzi isingabereki.
Kuhwihwinya:
Kupenya kana kuvaima kunoita Mhuka kana ine hutano.
Bvuwo:
Chinobuda kana Mhuka yapedza kuzvara.
Muchaza:
Chinobuda kana Mhuka yapedza kuzvara.