🎭 Mbakumba
Description
Mbakumba mutambo unoitwa mushure megoho rakanaka. Mutambo unoitwa kuMasvingo. Matambirwo emutambo uyu anonzi jekechera. Panodiwa ngoma mbiri dzichidandaurwa nemunhu mumwe chete. Mutambo uyu unowanzotambwa munguva yeChirimo. Mbakumba yaiitirwa kupemberera mazuva ekuzorora kubva mubasa guru rekurima nekukohwa.