Njeni:
Mombe itsva mudanga
Mhou:
Mombe hadzi inenge yabereka.
Junju:
Mombe isina nyanga
Jon'osi:
Mhuru yakura yakachekwa isati yarima.
Gwachara:
Mombe yachembera.
Nhore:
Mombe yachembera.
Nhenjana:
Mwana wemombe achangoberekwa.
Mughudhu:
Mombe iya yakurisa. Kazhinji dore rinenge rasara musana chete mbabvu dzichitoverengeka.
Borombe:
Mhuru hadzi inenge yava nemazuva yaberekwa.
Handira:
Mhuru yabva muhugondora isina kuchekwa inokwanisa kuberekesa.
Mhou:
Mombe hadzi inenge yabereka.
Mhandamba:
Mombe ine nyanga dzakapandambara kana kutambarara kuenda kumativi ekunze.
Kabi:
Mombe hono yakapingudzwa kuti ikwanise kushanda basa rekurima.
Horeka:
Mombe ine nyanga dzakakombamira mukati sedzenyati
Hando:
Momberume isina kuchekwa inokwanisa kuberekesa.
Dembwe:
Chinhu chinenge madzihwa chinoonekwa mundove yemombe.
Gwaimani:
Mombe hono yakapingudzwa kuti ikwanise kushanda basa rekurima.
Dzunzu:
Mombe isina Nyanga.
Han'a:
Mombe hono inofungidzirwa kuti haigoni kuberekesa.
Dhube:
Mombe isina nyanga
Chimhini:
Mombe isina muswe.
Njuma:
Mombe isina nyanga
Manjuma:
Mombe hadzi isina nyanga
Mombeshora:
Mombe ine ruvara rweshora.
Ndove:
Tsvina yemombe inoshandiswa kuita manyowa anowarikwa mumunda. Vamwe vanoti zviya kana yawoma vanoipisa muchoto vachibika mudzimba.
Bhuru:
Momberume isina kuchekwa inokwanisa kuberekesa.
Ngunzi:
Momberume isina kuchekwa inokwanisa kuberekesa.
Shopwa:
Mombe hadzi isati yabereka.
Mhorombe:
Mombe hadzi isati yabereka.
Tsote:
Mombe hadzi isingabereki.
Kutsa:
Kupingudza kuti mombe ikwanise kushandika nayo isinga pengereke.
Nzuma:
Mombe isina Nyanga.
Ramba:
Mombe hadzi isingabereki.
Mhou:
Mombe hadzi inokamwa Mukaka.
Musasa:
Danga remombe zhinji dziri pamwe chete.
Sasa:
Danga remombe zhinji dziri pamwe chete.
Mhanje:
Mombe hadzi isingabereki.
Nhevedzo:
Mombe inourayiwa parufu
Ngwere:
Mombe ine nyanga dzakataririsa pasi dzinozunguzika.