🔨 Banga
Description
Mudziyo unoshandiswa kucheka zvinhu zvikurusei pakubata mabasa anoti: kubika, kuvhiya, kumenya zvichingodaro. Nhengo yebanga inocheka yakagadzirwa nesimbi yakapfekerwa pamubato. Mubato unokwanisa kunge wakagadzirwa nesimbi, muti kana chimwe chakasimba.