🔨 Hari
MumbaDescription
Hari inoumbwa nevhu rinonzi rondo yopiswa nendove kusvika ruvara rwatsvukuruka. Muumbi anotora rondo/ munyakwe/ mupunzo/ dongo kubva pachuru. Rondo rinosanganiswa nemvura kuita dhaka. Dhaka iri rinozoumbwa kuita zvimikunguru. Zvimikunguru izvi zvinotanga kuturukidzaniswa mundiro (kana chimwewo chinhu chakasandarika) zvichiiswa zvichitevedza muumbirwo wendiro kuita denderedzwa, muumbi achizvibatanidza achitetepesa nekudupikisa kumusoro kwacho kuita chiumbwa chehari. Anozounza chiumbwa chacho (make it into the shape they want) pamwe nekuchiparinga (smoothen) kunyatsoita hari yerudzi rwaari kuda. Hwasha (rim) inoparingwa zvakare.Hari yacho inozoomeswa ichiri mundiro kusvikira yaoma zvekungosvika pakuti ipindurudzwe, ndiro iya yanga iri pasi yozobviswa. Inozopedziswa kuumbwa pasi payo nekuiunza nekuparinga, pasina kuwedzera rimwe dhaka. Inozoomeswa iri mumba kwemazuva matatu kana mana. Kana yaoma inozopiswa mubisiro.