👤 Imba
Tsananguro (Meaning)
Chivakwa chinogara vanhu pavanobikira, kudyira nokurara. Imba dzinokiwa nezvidhinha, mapango marata, huswa nezvimwewo zvinoshandiswa kuvaka madziro nekupfirira denga remba. Dzimba dzinopatsanurwa nezvidziro mukati kuita Mupanda kana kuti Kamuri dzinoshandiswa zvakasiyana. Zvidziro izvi zvinonzi Chengo, ukuri kana madziro.