Tsananguro (Meaning)

Munhu angava murume kana mukadzi ari kushanda semutumwa zvikurusei parufu. Dunzvi anoita mabasa anosanganisira kufambisa mashoko pakawungana vanhu achiva ndiye anoshevedzera achitaurira vanhu hurongwa huri kutevera pane zvaanenge audzwa nevari kutungamira zvirongwa. Anofambisa mashoko pakati pevanyarikani sezvakaita mhuri dzevanhu vakaroorerana. Panogovewa mbatya dzomufi dunzvi ndiye anoshandiswa kusumudza nhumbi achinogachidza kwaanenge arairwa kuti agachidze.

Home Dictionary Learn Profile