Duramazwi (Dictionary)

Kanganwiro

Kubvisa chivi kana kukanganisa mumoyo

Kokorodzano

Madzimai akaungana ane chinangwa chimwe

Kubatana

Kushanda pamwechete

Kubatsirwa

Kubereka mwana

Kubinduka

Kushanda zvisina zororo

Kubukura

Kana mwana mucheche abuditsa zvaadya nekumuromo

Kubvondora

Kana mvura yemutsime kana murwizi yanga yakachena, ikasvibiswa zvekuti inosara yave nemadhaka nemara...

Kudya

Chiito chekuisa chikafu mukanwa, wotsenga, womedza

Kudzandiwa

Kudhakwa zvakanyanya zvokuti munhu anenge asisagone zvinhu zviri nyore sokufamba kana kumira

Kudzaranisa

Kushanda basa zhinji uye kurishanda nemazvo

Kudzedzereka

Mafambiro emunhu akadhakwa anotadza kufamba zvakati twasa

Kudzidza

Kuwana ruzivo

Kudzidzisa

Kupa ruzivo kune vamwe

Kudzova nhururu

Dzimwe nguva kuzvimbirwa kunoita kuti munhu adzvove zvinonhuhwa

Kufambakasika

Kufambisa uchiita kukanda tsoka

Kufunda

Kupa zvisina kugunun'una

Kukundumuka

Kufamba pamwe chete kwevanhu vakawanda

Kukuvira

Kudya zvamakaro kuchiitwa sekusetsa vanhu

Kumbwandaira

Kufamba zvinyoronyoro uchinyaranyara

Kuminaika

Kushanda nesimba

Loading...
Home Dictionary Learn Profile